Matthew 25:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapa mumŋe matarenta mashanu, mumŋe maʋiri, mumŋe rimŋe, mumŋe nomumŋe ɀakakwanira simba rake; akaenda kuneimŋe nyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuno mumwe akapa matarenda mashanua emari, uye kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.
Shona 2009?
Akapa mumwe matarenda* mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, pakarepo akafamba rwendo.
Shona SUB 2002 Bible
Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.