Matthew 25:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’
Shona 2009?
Uyo wakanga apiwa matarenda* maviri akavuyavo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda* maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda* maviri pamusoro pawo.
Shona SUB 2002 Bible
Akanga apiwa matarenda maviri akauyawo, akati, ‘Ishe, makandipa matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri.’