Matthew 25:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’
Shona 2009?
Ishe wake akati kwaari: Waita zvakanaka, muranda wakanaka, wakavimbika, wakanga wakavimbika pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.
Shona SUB 2002 Bible
Ishe wake akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda akanaka, akatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda mumufaro washe wako.’