Matthew 25:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaŋga apiwa tarenta rimŋe, naiye akaʋuya ʋo, akati: Ishe, ndakaŋga ndicikuziʋai imi, kuti muri munhu unehasha, munoceka pamusati makadɀara, munoʋuŋganidza pamusati makakusha;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu anehasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha;
Shona 2009?
Asi wakanga apiwa tarenda* rimwe naiye wakavuya akati: Ishe ndakanga ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusati makadzvara, munovunganidza pamusina kukusha;
Shona SUB 2002 Bible
“Akanga apiwa tarenda rimwe, naiye akauyawo, akati, ‘Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu ane hasha, munokohwa pamusati makadyara, munounganidza pamusati makakusha;