Matthew 25:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, unousimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha;
Shona 2009?
Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa unovusimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
Shona SUB 2002 Bible
Ishe wake akapindura, akati kwaari, ‘Iwe, muranda akaipa, uno usimbe, wakanga uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudyara, ndichiunganidza pandisina kukusha;