Matthew 25:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ishe ucati kunaʋari kurudyi: Ʋuyai imi, makaropafadzwa naƂaɓa, mugare nhaka yoʋushe bgakagadzirirwemi kubva pakuʋamba kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.
Shona 2009?
Zvino Ishe uchati kuna vari kuruoko rwake rworudyi: Vuyai, imwi makaropfadzwa vaBaba vangu, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Ishe achati kuna vari kurudyi, ‘Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.