Matthew 25:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa?
Shona 2009?
Zvino vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko isu munenzara, tika\add ku\add*pai chokudya? Kana munenyota tikapa chokumwa?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai rinhiko mune nzara, tikakupai chokudya? Kana mune nyota, tikakupai chokunwa?