Matthew 25:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe ucapindura, aciti kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Pamakaɀiitira mumŋe waʋaɗuku ʋehama dzaŋgu idzi, makaɀiitireni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’
Shona 2009?
Ipao mambo uchapindura achiti kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makaitireni.
Shona SUB 2002 Bible
“Ishe achapindura, achiti, kwavari, ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.’