Matthew 25:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino naiʋaʋa ʋacapindura, ʋaciti: Ishe, takakuʋonai riniko munenzara, kana munenyota, kana muri mŋeni, kana musineŋguʋo, kana mucirwara, kana muri mutoroŋgo, tikasakushumirai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’
Shona 2009?
Ipapo naivava vachapinduravo vachiti: Ishe, takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushumirai?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino naivava vachapindura, vachiti, ‘Ishe, takakuonai rinhiko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?’