Matthew 25:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋakacenjera ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ɀimŋe haaŋgakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunaʋanoteŋgesa, muɀiteŋgere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vakangwara vakapindura vachiti, ‘Pamwe haangazotikwanira isu nemi. Zvirinani kuti muende kuna vanotengesa mundozvitengera.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’
Shona 2009?
Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi tose; endai henyu kuna vanotengesa munozvitengera.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vakachenjera vakapindura, vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’