Matthew 26:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Munoɗa kuti tikugadzirireipiko pamuŋgadya paseka?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rokutanga roMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakasvikomubvunza vachiti, “Ndokupi kwamunoda kuti tindokugadzirirai kuti mugodyira Pasika?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?”
Shona 2009?
Ne\add zuva\add* rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati kwaari: Munoda kupiko kwatingakugadzirirai pasika kuti mudye?
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?”