Matthew 26:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Endai muguta kunanyakuti, muti kwaari: Ɀanzi noMudzidzisi: Ŋguʋa yaŋgu yaʋa pedyo; ndicadya paseka paimba yako, naʋadzidzi ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavapindura akati, “Endai muguta kuno mumwe murume munosvikomuudza kuti, ‘Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yakatarwa yava pedyo. Ndichapemberera Pasika navadzidzi vangu mumba mako.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ”
Shona 2009?
Akati: Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari: Mudzidzisi unoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita paseka paimba yako navadzidzi vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ”