Matthew 26:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋacidya, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vachidya akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu achanditengesa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”
Shona 2009?
Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.”