Matthew 26:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu ucaenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; ɀaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu. Zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”
Shona 2009?
Mwanakomana womunhu uchaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi unenhamo munhu uyo Mwanakomana womunhu waanotengeswa naye. Zvaiva nani kumunhu uyu kana asina kuberekwa.
Shona SUB 2002 Bible
Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.”