Matthew 26:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri ʋusiku bguno; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai eɓoka acaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Usiku huno imi mose muchatiza nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, boka ramakwai rigopararira.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati kwavari: Imwi mose muchagumburwa nokuda kwangu vusiku hwuno; Nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Ndicharova mufudzi namakwai eboka achapararira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa neni usiku huno; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai eboka achaparadzwa.’