Matthew 26:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadzokera kuvadzidzi vake akavawana vavata. Akabvunza Petro achiti, “Varume, matadza kurinda neni kweawa imwe chete?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete?
Shona 2009?
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavete, akati kunaPetro: Saka makoniwa kurinda neni awa rimwe here?
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete?