Matthew 26:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaendazve kechipiri akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvisingagoni kuti mukombe uyu ubviswe kwandiri kunze kwokutenge ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.”
Shona 2009?
Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Haiwa Baba vangu kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura kubva kwandiri, ndisina kuumwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
Shona SUB 2002 Bible
Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.”