Matthew 26:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaenda kuʋadzidzi, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; tarirai, ŋguʋa yaȿika, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi.
Shona 2009?
Zvino akavuya kuvadzidzi akati kwavari: Chivatai henyu muzorore; tarirai, nguva yaswedera, Mwanakomana womunhu wotengeswa mumavoko avatadzi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi.