Matthew 26:58 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Petro wakamuteʋera ari kure, kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru, akapinda mukati, akagara naʋatariri kuzoʋona kupera kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo.
Shona 2009?
Asi Petro akamutevera ari kure kusvikira pamuzinda womuprista mukuru, akapinda mukati, akagara navaranda kuzovona kupera kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo.