Matthew 26:63 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari: Ndinokupikisa naMŋari mupenyu, kuti utiʋudze kana uri Kristu, Mŋanakomana waMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia here Mwanakomana waMwari?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.”
Shona 2009?
Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utivudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi Mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.”