Matthew 26:64 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura; asi ndinoti kwamuri: Kubva ɀino mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba, achivuya pamusoro pamakore okudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.”