Matthew 26:69 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Petro wakaŋga agere panze paruʋazhe. Ɀino mushandiri akaʋuya kwaari, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weGarirea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita akanga agere panze muruvanze, mumwe musikana webasa akauya kwaari akati, “Newewo wanga uina Jesu wokuGarirea.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGariria.”
Shona 2009?
Petro wakanga agere panze pamuzinda. Zvino murandakadzi wakavuya kwaari akati: Newevo wakanga una Jesu weGariri.
Shona SUB 2002 Bible
Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGareriya.”