Matthew 26:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mumŋe mukadzi akaʋuya kwaari anecinu cearbastera caiʋa necizoro cinomuteŋgo mukuru, akaciɗurura pamusoro wake, agere pakudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya.
Shona 2009?
Kwakavuya kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri chechizoro chinokosha zvikuru, akadurura mumusoro wake agere pakudya.
Shona SUB 2002 Bible
mumwe mukadzi akauya kwaari ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya.