Matthew 26:71 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aɓuɗa pasuʋo, mumŋe mushandiri akamuʋona, akati kunaʋaiʋa’po: Uyu munhu wakaŋga anaJesu weNazareta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaenda kumusuo woruvanze, mumwewo musikana webasa akamuona. Akati kune vakanga vamirepo, “Murume uyu akanga ana Jesu weNazareti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati asvika kusuo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kunavaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.”
Shona 2009?
Zvino wakati abuda pasuvo, mumwe akamuvona, akati kuna vaivapo: Uyu wakanga anaJesu weNazareta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati asvika kusuwo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kuna vaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.”