Matthew 27:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, pamutambo muɓati waisisunuŋgurira ʋanhu ʋazhinji musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaiɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida.
Shona 2009?
Zvino pamutambo mubati aisunungurira chaunga musungwa wavanenge vada.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida.