Matthew 27:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!”
Shona 2009?
Zvino Pirato achivona kuti haangadzivisi chinhu asi kuti pamuka bope, wakatora mvura akageza mavoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva yeropa romunhu uyu wakarurama, Zvivonerei imwi!
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!”