Matthew 27:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsaŋga muruʋoko rwake rworudyi; ʋakafugama pamberi pake, ʋakamuseka, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
Shona 2009?
Vakaruka korona yemhinzwa, ndokuisa pamusoro wake, norutsanga muruvoko rwake rworudyi. Vakafugama mabvi pamberi pake vakamusweveredza vachiti: Hekanhi, Mambo wavaJudha!
Shona SUB 2002 Bible
vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”