Matthew 27:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaciɓuɗa, ʋakawana munhu weKurini, wainzi Simoni; ʋakamumanikidza iye kuti atakure mucinjikwa wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.
Shona 2009?
Vakati vachibuda, vakawana murume wekurini, wainzi Simoni. Iye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa wake.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake.