Matthew 27:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti: Ndatadza, ndapandukira ropa risinemhoȿa. Ʋakati: Tinemhaka yeiko naɀo? Imhaka yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.”
Shona 2009?
Achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risinemhosva. Vakati: Tinei nazvo? Tavona iwe.
Shona SUB 2002 Bible
achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina chipomerwa.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.”