Matthew 27:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Uyo unoɗana Eria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.”
Shona 2009?
Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyo unodana Eria.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eriya.”