Matthew 27:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo tarira, cidzitiro cetembere cakabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi; nyika ikaɗeŋgenyeka, mabge akatsemuka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka;
Shona 2009?
Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita \add mapandi\add* maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka;