Matthew 27:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru wezana, naʋairinda Jesu naye, ʋakati ʋaciʋona kuɗeŋgenyeka kwenyika, neɀakaitwa, ʋakatya ɀikuru, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Shona 2009?
Zvino mukuru wezana navaiva naye vakarinda Jesu vakati vachivona kudengenyeka kwenyika nezvakaitwa, vakatya zvikuru vakati: Zvirokwazvo uyu wakanga ari Mwanakomana waMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”