Matthew 27:57 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aʋa maɗeko kukaȿika mumŋe mufumi weArimatea, wainzi Josefa, wakaŋga ari mudzidzi waJesu amene,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu,
Shona 2009?
Zvino ava manheru kukasvika mumwe mufumi weArimatiya wainzi Josefa. Iyevo pachake waiva mudzidzi waJesu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu,