Matthew 27:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista ʋakuru ʋakatora masirveri, ʋakati: Haɀina‐kufanira kuti tiaise muciʋigiro cemari, ɀauri muteŋgo weropa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.”
Shona 2009?
Vaprista vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati, hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari, nokuti mutengo weropa.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.”