Matthew 27:63 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakati: Ishe, tinoraŋgarira kuti munyeŋgeri uyu, aciri mupenyu, wakati: Mazuʋa matatu apfuʋura, ndicamuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Changamire, tinoyeuka kuti munyengedzi uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Mushure memazuva matatu ndichamukazve.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakati, “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, akati, ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’
Shona 2009?
vakati: Ishe tinorangarira kuti munyengeri uyu achiri mupenyu wakati: Mazuva matatu apfuvura ndichamuka.
Shona SUB 2002 Bible
vakati, “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, akati, ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’