Matthew 27:64 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka rairai kuti bgiro bguceŋgetwe kuȿikira pazuʋa retatu, kuti ʋadzidzi ʋarege kuʋuya kumuɓa, ʋagoti kuʋanhu: Wakamutswa kuʋakafa; kurashika kwokupedzisira kukazopfuʋura kwokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo itii guva richengetedzwe kusvika pazuva retatu. Vadzidzi vake vangadaro vakaenda vakamuba vakazotaurira vanhu kuti amuka muvakafa. Kunyengedza kokupedzisira uku kungazova kwakatoipa kupinda kokutanga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Saka rairai kuti bwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu, akamutswa kuvakafa; kurashika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.”
Shona 2009?
Saka rairai kuti hwiro hwuchengetwe kusvikira nezuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangavuya vusiku vakamuba. Vagoti kuvanhu: Wakamutswa kuvakafa. Kurashika kokupedzisira kukazopfuvura kokutanga.
Shona SUB 2002 Bible
“Saka rairai kuti hwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu, akamutswa kuvakafa; kurasika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.”