Matthew 28:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Musatya, endai mundoʋudza hama dzaŋgu, kuti ʋaende Garirea, ʋagondiʋona’ko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Musatya. Endai mundoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea; ikoko ndiko kwavachanondiona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Musatye. Chiendai mundotaurira hama dzangu kuti dziende kuGarirea. Ndiko kwavachandiona ikoko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gariria, vagondionako.”
Shona 2009?
Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, mundovudza hama dzangu kuti vaende Gariri ndiko kwavachanondivona.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gareriya, vagondionako.”