Matthew 28:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.
Shona 2009?
Zvino tarira kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waShe wakaburuka kubva kudenga, akavuya, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro.