Matthew 28:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa akapindura, akati kuʋakadzi: Musatya imi, nokuti ndinoziʋa kuti munotȿaka Jesu, wakaŋga akaroʋerwa pamucinjikwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa akati kuvakadzi vaya, “Musatya nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu uyo akarovererwa pamuchinjikwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mutumwa akati kumadzimai, “Imi musatye henyu nokuti ndinoziva kuti murikutsvaka Jesu akaroverwa pamuchinjikwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa.
Shona 2009?
Zvino mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakanga aroverwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa.