Matthew 28:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurumidzai muende mundoʋudza ʋadzidzi ʋake, kuti wakamuka kuʋakafa; tarirai unokutuŋgamirirai Garirea, mucandomuʋona’po. Tarirai, ndakuʋudzai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kurumidzai muende kundoudza vadzidzi vake kuti, ‘Amuka kubva kuvakafa uye kuti afanotungamira kuGarirea. Muchanomuona ikoko.’ Zvino ndakuudzai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino chiendai nokukurumidza mundoudza vadzidzi vake kuti amuka muvafi. Arikufanokutungamirirai kuGarirea. Muchamuona ikoko. Hezvoka ndakutaurirai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gariria, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.”
Shona 2009?
Kurumidzai muende mundovudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; zvino tarirai unokutungamirirai Gariri, muchandomuvonapo; tarirai, ndakuvudzai.
Shona SUB 2002 Bible
“Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gareriya, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.”