Matthew 3:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndinokubapatidzai nemvura, mutendeʋuke; asi unoʋuya shure kwaŋgu, unesimba, kupfuʋureni, uyo wandisakafanira kutakura shaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hongu ini ndinokuombekai nemvura kuti mupinduke. Asi arikuuya mushure mangu ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kutakura shangu dzake; iye achakuombekai naMweya Mutsvene uye nomoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuwureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto.
Shona 2009?
Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura mupinde mukutendevuka, asi uyo unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, neshangu dzake handina kufanira kudzitakura, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, kuti mutendeuke; asi anouya shure kwangu, anesimba, kupfuureni, wandisakafanira kutakura shangu dzake; iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene nomoto.