Matthew 3:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu wakapindura, akati kwaari: Cirega hako ɀino, nokuti saiɀoɀo ɀakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamupindura achiti, “Parizvino rega zvive saizvozvo nokuti zvakanaka kuti tizadzise zvakarurama zvose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake.
Shona 2009?
Asi Jesu achipindura wakati kwaari: Tenda hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kose. Ipapo akamutendera.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akapindura akati, “Chirega hako zvino, nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose.” Johani ndokubva atenda hake.