Matthew 3:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakati aciʋona ʋazhinji ʋaʋaFarise naʋaSaduse ʋaciʋuya kuzobapatidzwa, akati kwaʋari: Ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaona vaFarisei vazhinji navaSadhusei vachiuya kuzoombekwa akati kwavari, “Imi vana venyoka, ndiani akakunyeverai kuti mutize kurangwa kuri kuuya?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi akati achiona vazhinji vavaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?
Shona 2009?
Asi wakati achivona vazhinji vavaFarisi navaSajusi vachivuya kurubhabhatidzo rwake, akati kwavari: Vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
Shona SUB 2002 Bible
Asi akati achiona vazhinji vaVaFarisi navaSadhusi vachiuya kuzobhabhatidzwa, akati kwavari, “Vana venyoka, ndianiko akakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya?