Matthew 4:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva paŋguʋa iyeyo Jesu wakataŋga kuparidza, aciti: Tendeʋukai, nokuti ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera pedyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”
Shona 2009?
Kubva panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza, nokuti: Tendevukai nokuti ushe hwokudenga hwaswedera.
Shona SUB 2002 Bible
Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”