Matthew 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun'una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
Shona 2009?
Zvino Jesu, \add wakati\add* achifamba pagungwa reGariri, akavona vana vomunhu mumwe vaviri, Simoni unonzi Petro naAndiriya munun'una wake vachikandira mimbure mugungwa nokuti vakanga vari varedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achifamba paGungwa reGareriya, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.