Matthew 4:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun'una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana.
Shona 2009?
Zvino wakati apfuvurira mberi akavona vamwe vaviri vana vemunhu umwe muchikepe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohwani munun'una wake vana Zebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana.