Matthew 4:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaibva Garirea, neDekapori, neJerusarema, neJudea, nemhiri kwaJo ridani ʋakamuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Gariria, neDhekapori, neJerusaremu, neJudhea, nemhiri kwaJorodhani vakamutevera.
Shona 2009?
Zvino akateverwa \add ne\add*chaunga chevanhu, vaibva Gariri neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vazhinji zhinji vaibva Gareriya, neDhekaporisi, neJerusaremu, neJudhiya, nemhiri kwaJodhani vakamutevera.