Matthew 4:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muidzi akaʋuya kwaari, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, taura kuti mabge awa ɀiʋe ɀiŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.”
Shona 2009?
Zvino muidzi wakati avuya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti matombo awa aitwe zvingwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.”