Matthew 4:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Diaborosi akamuisa muguta dɀene, akamumisa paciruʋu cetembere,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi,
Shona 2009?
Zvino Dhiabhorosi akamutora akakwira naye muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi,