Matthew 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kucinzi: Iye ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, Pamaʋoko avo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Acharayira vatumwa vake pamusoro pako uye vachakusimudza namaoko avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”
Shona 2009?
akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzvikandire pasi, nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako: pamavoko avo vachakutakura, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”